1 Corinthians 4

Vabati vezvakavanzika zvaMwari

1Munhu ngaatirangarire sezvizvi, sevabati vaKristu, nevachengeti vezvakavanzika zvaMwari. 2Uyezve, zvinotsvakwa pavachengeti, kuti ani nani awanikwe akatendeka. 3Asi kwandiri chinhu chidiki-diki kuti nditongeswe nemwi, kana nekutonga kwevanhu; asi neni handizvitongesi. 4Nokuti handirangariri chinhu kwandiri, zvakadaro handinzi ndakarurama neizvozvo; asi anonditonga ndiIshe. 5Naizvozvo regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe auya, iye achabudisawo pachena zvinhu zvakavanzika zverima, uye acharatidza mazano emoyo; uye ipapo munhu umwe neumwe acharumbidzwa naMwari.

Kusazvikudza kwevaapositori

6Zvino zvinhu izvi, hama, ndinozvifananidzira neni naAporo nekuda kwenyu, kuti mudzidze kwatiri kuti musafunga kupfuura zvakanyorwa, kuti umwe arege kuzvikudza neumwe muchipikisa umwe. 7Nokuti ndiani wakaita kuti usiyane nevamwe? Uye chii chaunacho chausina kugamuchira? Uye kanawo wakagamuchira, unozvikudzirei seusina kugamuchira? 8Matoguta, matofuma, matonga kunze kwedu; ndinodawo kuti mutonge, kuti isuwo titonge pamwe nemwi. 9Nokuti ndinofunga kuti Mwari wakatigadza isu vaapositori vekupedzisira, sevakatemerwa rufu; nokuti takaitwa chiokerwa kunyika, nekuvatumwa, nekuvanhu. 10Isu tiri mapenzi nekuda kwaKristu, asi imwi makachenjera muna Kristu; isu tine utera, asi imwi makasimba; imwi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa. 11Kusvikira nguva ino tine nzarawo, uye tine nyota, uye takashama, uye tinorohwa netsiva, uye tiri vambeyi, 12uye tinoshingaira tichishanda nemaoko edu pachedu; tinoti tichitukwa tinoropafadza, tinoti tichishushwa tinotsunga moyo; 13kana tichinyeyewa tinonyengerera; tinoitwa setsvina yenyika, marara ezvinhu zvese, kusvikira ikozvino. 14Handinyoreri zvinhu izvi kuti ndikunyadzisei, asi savana vangu vanodikanwa ndinokunyeverai. 15Nokuti kunyange mune varairidzi zvuru gumi muna Kristu, zvakadaro hamuna madzibaba mazhinji; nokuti muna Kristu Jesu ini ndakakuberekai kubudikidza neevhangeri. 16Naizvozvo ndinokukumbirisai: Ivai vatevedzeri vangu. 17Nemhaka iyi ndatuma Timotio kwamuri, anova mwana wangu anodikanwa, uye wakatendeka muna Ishe, achakuyeuchidzai nzira dzangu dziri muna Kristu, sezvandinodzidzisa kwese pakereke imwe neimwe. 18Zvino vamwe vakazvikudza sezvinonzi handiuyi kwamuri. 19Asi ndichauya kwamuri nekukurumidza, kana Ishe achida, uye ndichaziva, kwete shoko revanozvikudza, asi simba. 20Nokuti ushe hwaMwari hahuzi pashoko, asi pasimba. 21Munodei? Ndiuye kwamuri netsvimbo here, kana murudo nemweya weunyoro?

Copyright information for Shona